Methodist Shona Hymn 68

Ndinobva kwamuri, ndoenda kudenga,
Ndoenda kuimba yababa;
Mumba yavo tsvene, imba yorufaro,
Ndinokugadzirirai nzvimbo.

Kana ndichienda, ndinozouyazve,
Handikusiye muri moga;
Asi ndinozokugamchirai ini,
Kuti mugovapowo pandiri.

Iri’zwi raMambo, izwi rorufaro,
Farai,vaKristu farai!
Ishe wakaenda, asi achadzoka,
Apinze kudenga imi mose.

Ipapo tinozogara pautsvene,
Navazhinjizhinji chokwadi;
Tinozoimbawo, tiri pamwe chete,
Tichikudza Ishe wokudenga.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.