United Methodist Shona Hymn 234

Mwari wangu ndipfuweyi
Kuti ndibve mukuipa
Ndipei zano rakanaka
Rekuita munhu kwaye

CHORUS:
Ndisimbisei zvirokwazvo
Ndichigere pasi pano
Ndipei mwoyo wakanaka
Ndizosvika kumusoro

Kuti ndoda kupumhuka
Kubva nzira yenyu, Baba,
Nyasha dzenyu ngadziuye,
Ndiswededzwe padyo nemi.

Apo ndine dambudziko,
Kana rufo ruchiuya,
Ndipeyiwo rudo rwenyu,
Runodzinga kutya kwese.

Pakuguma kweupenyu,
Baba, ndinomukumbira,
Nditambirei zvakanaka,
Kuti ndizogara nemi.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.