Mwari muri Samasimba
Makasika vanhu vese
Munoziva zviro zvese
Munowona nzvimbo dzese
Munotonga pasi pese
Munogadza vadzimambo
Ndizvo ndinomuwombera
Ndinomutya nguva dzese
Mune dendemaro renyu,
Rinogara nekugara,
Vanhu vanopera kufa
Asi imi hamuzofi;
Munogara nguva dzese,
Hamusakasikwa imi,
Hamuchazoperi imi,
Ndizvo ndinomuremedza.
Baba, tinoziva kuti
Zvinhu zvese ndezvenyu,
Tiri vachengeti vazvo,
Zvinhu zvese zvatinazvo;
Munotipa nekukohwa,
Tinopiwa zvipfumbamwe,
Basa renyu zhinji pano
Rinoitwa nechegumi.
Tisanyime zviro zvake,
Tinokomborerwa ndiye,
Hakuchina Tenzi pasi
Wakanaka kunga iye;
Ndizvo ngatimuremedze,
Ngatiunze zviro zvake,
Tidzokese zviro zvake
Kufanzisa basa rake.