Jesu M'ponesi muri Mwari wedi
Zvese ndezvenyu pasi nekudenga
Handina chinhuba zvese ndezvenyu
Ndiri kufara kuva muchengeti
Ndine urombo kune vamwe vanhu,
Vari mudima, havazivi Kristu,
Ndizvo ndinoda kuvabatsira,
Kuti vazive mwenje weupenyu.
Tenzi, ndinoda kupa chipo nhasi,
Chipo chekuenda kune nyika dzimwe,
Chipo cherudo, kovenekera
Vari kusungwa nezvitema zvavo.
Chipo ndinacho, chipo chakanaka,
Chipo cherudo ndinounza nhasi,
Ndoisa pasi pemuchinjiko,
Tenzi, ndapota tambirai changu.