Muzunde renyu Baba
Mune basa rekuita
Vanhu havazivi imi
Vanogara mune dima
Havazivi nzira tsvene
Havazivi Jesu Kristu
Murumbwana wenyu chete
Havazivi rudo rwenyu.
CHORUS
Ndiri pano Tenzi nditumeyi
Kune avo vanoshaya
Ndiri pano nditumeyi
Kune avo vanoshaya
Ndiri pano, nditumeyi
Kune avo vanoshaya,
Mudikani, Tenzi wangu,
Shoko renyu ndingatora;
Kana vanhu vandivenga
Sezvo imi makavengwa,
Kuti muchindituma'yo
Ndingafara kushandira.
Taurai, Tenzi, shoko renyu,
Taurai, Tenzi, ndiri kunzwa,
Kuda kwenyu ngakuitwe
Sezvo munondiudzira,
Ndiudzirei mazwi enyu
Kuti ndipe kune vanhu,
Ndiudzirei mazwi enyu,
Enyu chete, Tenzi wangu.
Kuti muchienda neni,
Kuti muchindisimbisa,
Handizotyi madambudzo
Kana basa richikonja;
Makatsidza kuva neni
Kuti ndichigara nemi;
Munamato wangu ndiwo,
"Ndiri pano, nditumeyi."