Kuedza kwazosvika
Kwadzinga dima rese
Vamuka vanhu vese
Kudzidza Jesu Kristu
Masoko akanaka
Ouya misi yese
Ekuti vanhu vese
Vanoda vafundisi
Wonayi vanhu vedu
Vakuteura zvino,
Nevamwe vari kure
Vakuwombera Jesu;
Vapwere vakuimba
Zviimbo zvakanaka,
Vavakuita basa
RaMwari, Baba wedu.
Wonayi vavazhinji
Vanoda kudzidziswa,
Kufamba mune nzira
Yevanhu vakanaka;
Majaha nemandara
Vanoda ruponeso,
Vababa nevamai
Vanoda nzira itsva
Rwasvika ruponeso
RwaMwari nyika dzese,
Rwofanza kure-kure
Kundudzi dzese dzese,
Tapota imi, Baba,
Pamsana pake Jesu,
Kuvaponesa avo
Vagere mune dima.