Mununuri ndinomuda
Kuti anondiponesa
Ndinobviswa pane rufu
Ndinopinzwa paupenyu
Mununuri ndinomuda
Kuti wandiregerera;
Wandiparadzira ropa
Wakaripa mhosva yangu.
Mununuri ndinomuda
Kuti wakandishambidza;
Wandibisa zvakaipa,
Nezvitadzo zvangu zvose.
Mununuri ndinomuda
Kuti wandivenekera;
Wabisa upofu hwangu
Wandiburitsira mwenje.
Mununuri ndinomuda
Ndimuperekedzi wangu;
Shoko rake ndiwo mwenje
Wokuchenga tsoka dzangu.
Mununuri ndinomuda
Ndiye muyamuri wangu
Kana ndiri pakurwara,
Ndinosimbiswa naiye
Mununuri ndinomuda
Kuti ndiye simba rangu,
Anokunda dzose hondo,
Dzinonetsa mwoyo wangu.
Mununuri ndiye Jesu
Rakakomba zita rake;
Ngandikwanisiswe ini
Pano rununuro rwake.