Jesu Mwana waMwari
Wakasvika kwatiri
Kuti abvise zvivi
Haleluya! Muponesi
Wakatukwa nesu wo
Nekuda kwezvitadzo,
Tipihwe kanganwiro;
Haleluya! Muponesi!
Wakafira vatadzi,
Andichenese ini,
Zvino ari naMwari
Haleluya! Muponesi!
Achadzoka panyika,
Achamutsa vakafa;
Tichaimba kudenga;
Haleluya! Muponesi!