Jesu, mwana waMwari,
Wakasvika kwatiri,
Kuti abvise zvivi;
Hareruya! Muponesi!
Wakatukwa nesu wo,
Nokuda kwezvitadzo,
Tipiwe kanganwiro;
Hareruya! Muponesi!
Wakafira vatadzi,
Andichenese ini,
Zvino ari naMwari;
Hareruya! Muponesi!
Achadzoka panyika,
Achamutsa vakafa,
Tichaimba kudenga;
Hareruya! Muponesi!