Jesu Kristu wakasiya denga,
Asvike pano kuzoberekwa,
Ndinoshamiswa kurangarira,
Wakatsvaka ini,
Wakatsvaka ini, (tsvaka ini,)
Wakatsvaka ini, (tevaka ini,)
Ndinoshamiswa kurangarira,
Wakatsvaka ini.
Jesu Kristu wakafira ini,
Pam’chinjikano abvise zvivi,
Kunzwisisa ini handigoni,
Wakafira ini.
Wakafira ini, (fira ini,)
Wakafira ini, (fira ini,)
Kunzwisisa ini handigoni,
Wakafira ini.
Jesu Kristu wakazonditsvaka,
Kunyange ini ndakamuramba,
Rudo rwake runondishamisa,
Anodana ini.
Anodana ini, (dana ini,)
Anodana ini, (dana ini,)
Rudo rwake runondishamisa,
Anodana ini.
Jesu Kristu achadzoka pano,
Kuti atitore kudenga ’ko,
Ndichafara kumuwona zvino,
Achitora ini,
Actitora ini, (tora ini,)
Achitora ini, (tora ini,)
Ndichafara kumuwona zvino,
Achitora ini.