Jehovha mufudzi wangu
Handichazoshayiba
Ndiye anondiradzika
Pane mafuro ake
Ndiye anondinyaradza
Nekunditungamira
Munzira dzakarurama
Muzita rake, Tenzi.
Handichatyi chinyangadzo;
Nhambwe* dzose aneni,
Ndiye achandinyaradza
Nemudondoro wake.
Anogadzira tafura
Mberi kwemhandu dzangu.
Ndizvozvo mukombe wangu
Wazara nemafuta.
Idi, runako nenyasha
Zvichazonditevera.
Ndichazogara mudenga
Nekusingazoperi.