Mwari Ishe zvandinofungidzira
Panyika dzose dzamakasika
Ndonzwa dutu ndinowona nyenyedzi
Simba renyu raratidzwa kwose
CHORUS:
Ndichaimba M'ponesi 'She wangu
Muri m'kuru muri m'kuru
Ndichaimba M'ponesi 'She wangu
Muri m'kuru muri Mmkuru
Zvondofamba mudondo ramapani,
Ndonzwa shiri dzoimba mumiti;
Ndichiona kubva pagomo refu,
Ndonzwa mvura nokutonhorera.
Zvandofunga zvatakapirwa naye,
Nokufa kwake, ndinozadziswa;
Pam'chinjikwa wanzwa kurema kwangu;
Neropa wafira zvivi zvangu.
Kristu, achidzokera nokukunda,
Wanditora ndichafadzwa sei;
Ndichakudza nokukotama hangu,
Ndoparidza Ishe uri mukuru.