Kare vanhu venyu, Mwari vakatambudziwa
Asi makavaponesa ngemasimba enyu
CHORUS:
Mwari mukuru, Mwari mukuru
Baba wedu tese
Vakayiswa mutirongo, vamwe mumajoti,
Makavaburitsa imi makavachengeta.
Vakadzingwa nemumisha, vakatukwa ivo,
Asi makavafadzisa, vakamuda imi.
Vamwe vakarohwa kwazvo, vakasekwa ivo,
Asi imi, Mwari Baba, makavasimbisa.