Baba ndiri mwana wenyu
Nyangwe ndakatadza
Ndinochema mberi kwenyu
Mundiregerere
Zvitadzo zvangu zvizhinji
Hazvingaverengwe;
Ndinozviisa kwamuri
Mundiregerere.
Mirau yenyu ndakatyora,
Ndakakuzvidzai,
Mununuri ndamurasa
Mundiregerere.
Ndakatadza nokureva
Nokufunga kwangu,
Ndakatadza namabasa,
Mundiregerere.
Nyange ndanga ndafanira
Kukurumbidzayi;
Ndatadza nokukanganwa;
Mundiregerere.