Sezvandiri ndinouya
Ndisina chandakanatsa
Asi ndimi mandidana
Ndinouya Ishe Ishe
Handinonoke kubviswa
Zvitadzo zvandakaita,
Kwamuri munochenesa
Ndinouya Ishe, Ishe.
Kunyange ndodzungaidzwa
Namadzudzo omumwoyo,
Ndichinzwa kurwa nokutya
Ndinouya Ishe, Ishe.
Murombo, bofu razvidzwa,
Ndichapona nemi chose,
Ndichapfumiswa kwamuri,
Ndinouya Ishe, Ishe.
Munozondiregerera
Ndigamuchirwe, ndicheniswe,
Nokuti ndokubvumai
Ndinouya Ishe, Ishe.