Ndokutewera M’ponesi, Kwese’ko ndinogara
Apo imwi munoenda, Hunde ndokutewera
CHORUS
Ndokutewera M’ponesi, Imwi makandifira
Kana vese vakusiya, Ini ndokutewera
Kana nzira inoshata, Kana kusina nzira
Mwaenda pamberi pangu, Ini ndokutewera
Kuti ndaona dambudzo, Zvimwe ini ndaedzwa
Imwizve mwakamboedzwa, Ini ndokutewera
Kana ndawane urombo, Kushaya, kusafara
Ndatondera mwakashaya, Tenzi, ndokutewera
Kuti ndinoona rufu, Musatizve mwauya
Mwakafa, makamboigwa, Ndichiri kutewera