Tichasangana kurwizi,
Apo kune kupenya;
Mvura yakanakisisa
Yabva kuna Jehova.
CHORUS
Hunde tosangana iyo,
Parwizi rwakanaka kudenga
Tosangana nevanoyera
Pachigaro chaMwari
Iyo pagombe perwizi,
Rwakabvira kuchena
Tichafamba nekutenda,
Nguva dzese tofara
Kurwizi’rwo runopenya,
Mitoro ticharasa;
Tosunungurwa ngemutsa,
Togashira chiremba
Tosvika nekukasika,
Nerwendo ruchapera;
Mwoyo yedu ichafara,
Ngerwiyo rwekutenda