Rindanyi’mwi vanoyera,
Zvioneso zvaonekwa
Mwenje yenyu batidzanyi,
Munochingamidza Tenzi
CHORUS
Wonanyi, anouya;
Jesu Mambo anouya,
Anouya kuzotonga,
Wonanyi, anouya.
Wonanyi chitsidzo chake,
Chekuti musunungurwe
Nguwo chena nezviremba,
Kasikanyi kutaura.
Atigadzirira nzvimbo,
Muumambo hwake iyo;
Tauranyizve zvemutsa,
Tsuri isati yaridzwa
Vanyangadzi uyai zvino,
Kristu anotinunura;
Kasika ichipo nguva,
Kristu anoda kuuya.