SDA Shona Hymn 5

A kurekure kumusha?
Ndabvunza murindi, ati,
Usiku hurikupera,
Kwakuda kuyedza.
Usacheme, kurumidza,
Mutewere, kusimbira;
Muchasvika mukupenya
Hakuna kupera.
Ndabvunza kune mukani,
Anerwiyo rwekushinga,
Ngekushinga ndinokana,
Hondo ichapera.
Musacheme, mutiwire,
Dakara basa rapera,
Tinoziva tinechipo,
Kuti takurira
Ndabvunzazve pasi, zuva,
Zvese zvakandipindura;
Nguva irikundopera,
Jesu anouya.
Musacheme, zviwoniso zve
Zviri kutinyewera,
Zvisikwa zvese zvinoda
Tsuri imborira.
Tiripatyo nekumusha,
Kunofadza kutondera
Chifarai imwi vafambi,
Bvisanyi’wo kutya.
Musacheme, tisangane
Apo kusina kuneta,
Zviyedzo’zvo zvakapera,
Tasvika kumusha

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.