Precious Promise
1.
Chivimbiso chakakosha,
Chakapiwa naMwari,
Kumufambi wakaneta:
Ndiri Mutungamiri.
Ndotungamira, ndotungamira,
Ndotungamira neziso rangu;
Nzira yose yokudenga,
Ini, ndichakutungamira.
2.
Kunyange une zviedzo,
Shamwari dzinotiza;
Bata chivimbiso icho:
Neziso ndotungamira.
3. Kana makore atora
Tariro nokuvimba,
Yeuka chakavimbiswa:
Neziso ndotungamira
4. Upenyu hwava kupera,
Kana kwasviba kufa,
Mutungamiri wokudana
Neziso ndotungamira.