I Shall Not Fear
1. Handingatye kunyange makore ouya:
Mwari wangu ane hanya anondinzwa,
Kunyange madutu achindivhundutsira,
Ini ndiri mumaoko ake.
Ndiri mumaoko ake;
Mune zvinouya,
Ndiri wake;
Mazuva emberi,
Akarongwa naye,
Nzira uechokwadi
Kuva naye.
2. Nyangwe ndisingaone nzira mberi kwangu,
Ndichangotevera mirayiro yake;
Ndine rutendo rwakasimba
Ini ndiri mumaoko ake.
3. Kare wakandipa zvaindikwanirawo,
Kana ndazvipira kubasa rorudo,
Ndinokahadzika nei kuti aripo
Kana ndiri mumaoko ake?
Stanley E. Ditmer