Awake, My Soul
1. Muka, mweya kuchiyedza,
Uite basa rezuva;
Bisa nungo, ugofara
Kupa chipo mangwanani.
2. Taura nokuvimbika
Hana yako yakachena;
Mwari, zvose anoona:
Pfungwa, mazwi, nzira dzako.
3. Ngaatendwe muchengeti
Muhope wandizorodza
Kana mukufa ndamuka,
Nemi ndigare narinhi.
4. Ishe,mhiko ndoitazve;
Paradzai zvivi sedova;
Kwangu kufunga chengeta,
Nomweya wenyu ndazadzei.
5. Zvanhasi zvitungamirei,
Zvondofunga, nokuita;
Kuti rangu simba rose
Rive rimwe nemi chose.
6. Rumbidzai Mwari wedenga,
Imi zvisikwa zvepasi;
Nokudenga, rumbidzai
Baba,Mwana, Mweya M’tsvene.