SHE Jehova, mundiise
Pamakwara e.....nyu;
Mweya wenyu udzidzise
Ini, mwana we....nyu
Munditungami.....re,
Ndigoziva kuchengeta
Mirayiro, u.....ye
Misi yose kumutenda.
Nyasha dzaSHE dzakakura,
Hadzina kugu.....ma;
Uchadzosa varashika,
Nokuvarayi.....ra;
Uchapereke.....dza
Vanomwoyo wakanaka;
Vanonyengete.....ra
Uchavaratidza nzira.
Ndiani unoda iye,
Nokumushumi.....ra?
SHE Wedenga ndiamene
Uchamudzidzi.....sa;
Ndiye uchawa.....na
Fuma huru yokudenga,
Nhaka ichapi.....wa
Vana vake vanomuda!
Muchengete mweya wangu
Musandisvode.....sa;
Ndimi utiziro hwangu,
Ndichasimute....nda;
Ndinomumirira,
Mundirwire noruoko;
Ndinodanidzi.....ra,
Nditumirwe raramiso!