Jehova wondiri.....sa,
Ndichazoshayiwei?
Unongosindifu.....dza
Pamvura chena sei!
Munoponesa mwe....ya;
Munondiisazve
Panzira yakana.....ka
Nokuda kwenyu, SHE!
Handingatongotyi.....swi
Nairwo rufuwo;
Mudonzvo womuri.....si
Wondinyaradza'po.
Munongosindigu.....tsa
Munondinwisawo;
Munondipakuri......ra
Mapfumo aripo.
Musoro munozodza,
Munondifadzawo;
Mukombe wakazara
Nenyasha dzirimo!
Bva nyasha dzake dzo.....se
Dzichandifadza sei!
Ndogara misi yose!
Mumba maiye SHE.