Jesu ndowangu, ndofara sei;
Zvandiri wake, ndichatsvakei?
Neropa ndasukiwa naye,
Ndapiwe nhaka naBambo SHE
KOROSI
:/: Ndicharumbidza SHE wangu sei
Nenziyo dzangu ndimukudzei! :/:
Ndinozorora norugare,
Ndinositenda kuda kwaSHE;
Nyasha norudo unondipa,
Ndinosifara nowandida!
Ndakachengetwa, ndinomuda,
Chandinosha’iwa hapachina,
Meso anongotarira SHE,
Ndapiwe nyasha huru naye!