Jesu ndowangu, ndofara sei
Zvandiri wake ndichatsvakei?
Neropa ndakasukwa naye,
Ndapiwa nhaka naMwari She.
KORASI
Ndicharumbidza She wangu sei
Nenziyo dzangu ndimukudzei
Ndicharumbidza She wangu sei
Nenziyo dzangu ndimukudzei.
Ndinozorora norugare,
Ndinositenda kuda kwaShe
Nyasha norudo unondipa
Ndinosifara nowandida.
Ndakachengetwa; ndinomuda,
Chandinoshaiwa, hapachina;
Meso anongotarira She
Ndapiwa nyasha huru naye.