Ngatishandisei nyasha
Tose pamwe chete
Tiite chitenderano
NaKristu She wedu.
Nero simba rake Jesu,
Ngatizvipirei;
Tovimbisa iyezvino
Kuve vake chose.
Chitenderano chanhasi
Ngachigare nesu;
Tisasiye Mwari wedu,
Kana izwi rake.
Tigare tichitya Ishe,
Munzwi wechitsidzo;
Kana Mwari muchifadzwa,
Sanganai nesu.
Ropa rechitenderano
Rinobvisa zvivi;
Nyorai mazita edu
Kum’soro kudenga.
Tarisazve nziyo idzi: 20
Nziyo inondikomborera zvikuru inondiswededza pedyo namwari .Amen
Nziyo inondiswededza pedyo naMwari. Ngavarumbidzwe Jesu nguva dzose. Amen.