Methodist Shona Hymn 242

Ngatishandisei nyasha
Tose pamwe chete
Tiite chitenderano
NaKristu She wedu.

Nero simba rake Jesu,
Ngatizvipirei;
Tovimbisa iyezvino
Kuve vake chose.

Chitenderano chanhasi
Ngachigare nesu;
Tisasiye Mwari wedu,
Kana izwi rake.

Tigare tichitya Ishe,
Munzwi wechitsidzo;
Kana Mwari muchifadzwa,
Sanganai nesu.

Ropa rechitenderano
Rinobvisa zvivi;
Nyorai mazita edu
Kum’soro kudenga.

Tarisazve nziyo idzi: 20

Hymn Details

2 thoughts on “Hymn 242

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.