Methodist Shona Hymn 40

MaKristu ngatirumbidzei
Nemwoyo namazwi edu,
Tererai kwatiri,
   A! A!
Jesu Kristu wazvarwa,
Mombe dzinomukudza
Arere mudanga zvino;
Kristu wazvarwa,
Kristu wazvarwa.

MaKristu ngatirumbidzei
Nemwoyo namazwi edu,
Rufaro harugume,
   A! A!
Jesu Kristu wazvarwa,
Tazarurirwa denga,
Takomborerwa zvikuru;
Kristu wazvarwa,
Kristu wazvarwa.

MaKristu ngatirumbidzei
Nemwoyo namazwi edu,
Hatichazotya kufa,
   A! A!
Jesu Kristu wazvarwa,
Anokudaidzai
Kuti mupinde kwaari;
Kristu wazvarwa,
Kristu wazvarwa

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.