Methodist Shona Hymn 39

Tarirai kubetrehem,
Musha waDhavhidhi
Pam’soro perima rawo
Nyenyedzi dzopenya;
Pa’ri urimo Mwenje
Unopenya kwazvo
Vanhu vose vamakore
Vanofadzwa nawo.

Imi nyenyedzi dzose.
Paridzai shoko,
Rumbidzai kuna Mwari,
Fadzisai vanhu;
Nokuti wakazvarwa
Mwana waMaria,
Imbai imi ngirozi
Norudo rukuru.

Wauya chinyararire
Chipo chakakomba
Zvinouya nokudaro
Zvipo zvokudenga;
Hapana anomunzwa.
Asi vanomuda
Nemwoyo yakapfavisa
Vachamugam’chira.

Mwana M’tsvene webetrehem
Burukirai isu,
Tandanisai kuipa,
Muzvarwe matiri;
Ngirozi dzinoimba
Nyaya dzakanaka;
Pindai zvino, garai nesu,
Ishe Manueri.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.