Hakusi kurema
Kwedzi mhosva dzangu,
Dzandinadzo ini
Dzokuzvarwa nadzo;
Dzakandipinzawo
Murushavashava
Rwakandikonzera
Kufa kwangu kose.
   Ishe Jesu, Ishe
   Ivai netsitsi;
   Ishe, Jesu, Ishe
   Ivai nengoni.
Handisayamurwa
Namabasa angu;
Ndakasungwa kwazvo
Nezvitadzo zvangu;
Iye Jesu Kristu
Pamusana pangu
wakanzwa kurema
wakafira ini.
Dai asauya
Mununuri wangu,
Dai asafira
Mhosva dzangu ini,
Ndaizotakura
Nokurangwa kwangu
Asi zvose izvi
zvakabva pana She.