Methodist Shona Hymn 112

Baba nditarisei netsitsi dzenyu,
Mundiregerere zvivi zvangu;
Neropa roMwanakomana wenyu
Chimboteererai izwi rangu.

Ishe wangu ndinayo tsvina bedzi,
Handingashambidze mwoyo wangu;
Ndovimba chete nedzo tsitsi dzenyu
Nokuti ihuru mhosva yangu.

Zvose zvakaipa zvandakaita
Ndinozviona mupfungwa dzangu,
Zviito zvangu zvinondinyadzisa
Ndinoremerwa nemhosva yangu.

Asi ndakanzwa noruregerero
Kuti ruripo kuMuponisi.
Ndicharuwana, ndinobvuma chose,
Ndiye wandidana Ishe wangu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.