Jesu, Mwana wakanaka,
Wakazvarwa Betrehem;
Wakaiswa muchidyiro,
Maidyira mombe wo;
Mai vakamurinda ’po,
Mwana achivata ’mo.
Wakaburukira ini;
Ndiwesimba Jesu She;
Imba yake ndeye mombe;
Wazvininipisa sei;
Wakafambidzana wo
Navachena vaiva ’po.
Paudoko hwake hwose,
Waida Maria sei,
Wainzwa mashoko ose
Aidzidza panamai.
Tose timuteverei,
Uyu wakanaka sei.
Meso edu achaona
Jesu nomufaro wo;
Mwana uyo ndiShe wedu,
Unogara ikoko
Wotiperekedza wo,
Agozotisvitsva ’po.