Jesu anogara neni,
Kunzwisisa handigoni,
Asi ndapiwa rufaro,
Nokuda kwaShe mumwoyo.
KORASI
Anonditungamira ’po,
Anondibatsira kwazvo,
Ndichamutevera zvino,
Nokuda kwaShe mumwoyo.
Kunyange ndinotambudzwa,
Kunyange Satan’ wonetsa,
Handingambotyi izvozvo,
Nokuda kwaShe mumwoyo.
Mwari, ndinokutenda-i,
Handidi kukuzeza-i,
Makandisimbisa kwazvo,
Nokuda kwaShe mumwoyo.
Sezva ndinopedza rwendo,
Nokuenda kudenga ’ko,
Ndichakudza Ishe kwazvo,
Nokuda kwaShe mumwoyo.