RCZ Hymn 31

Jesu, Mwana wakanaka
Wakazvarwa Betrehema;
Wakaiswa muchidyiro,
Maidyira n'ombewo.
Mai vakamurindapo,
Mwana achivatamo.

Wakaburukira ini;
Wamasimba, Jesu SHE;
Imba yake ndeyen'ombe,
Wazvininipisa sei!
Wakafambidzanawo
Navachena vaivapo.

Paudoko hwake hwose
Waida Maria sei!
Wainzwa mashoko ose
Aaidzidza panamai.
Tose timuteverei,
Uyo wakanaka sei!

Meso edu achaona
Jesu nomufarowo;
Mwana uyo ndiSHE wedu
Unogara ikoko!
Wotiperekedzawo,
Agozotisvitsako!

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.