1.UYAI , Mweya wakachena,
Uyai kwangu nhasi imwi;
Mune tsitsi dzakawanda,
Ndipei Mweya wenyu imwi.
Ndidzidzisei rwiyo rumwe
Rwiyo rwengirosi dzenyu,
Ndinofara ndaponeswa,
Ndizvo ndinomuimbira.
2. Ngerubatsiro rwaMwari,
Ndaapano zvino nhasi,
Kuti ndichifadza imwi,
Ndingasvika iro denga;
Jesu wakanditsvakisa
Handisakambomuziva
Akapira ropa rake
Kuti ndive noupenyu.
3. Nyasha dzenyu ndogashira
Misi yese youpenyu,
Mwoyo wangu wakaneta
Unodisa kuponeswa;
Unonyanya kutizira
Kune uyo ane nyatwa;
Torai mwoyo wangu, Baba,
Muuite wakanaka.