AFM Shona Hymn 122

1. MWEYA M’tsvene muri Mwari,
Ndinotambudzika,
Mwoyo wangu unochema,
Ndinomuda zvino.

Korus
Ndizadzenyi, ndizadzenyi
Uyai, Mweya zvino,
Pindai mwoyo wangu, Mweya,
Kuti ndisimbiswe.

2. Ndine nungo zviro kwazvo,
Ndinoshaya simba,
Asi mukandisimbisa,
Ndinokunda zvese.

3. Ndinoziva basa renyu
Kuti rakanaka,
Munotungamira vese
Vanomuteera.

4. Kuti ndichitungamirwa
Handichawi pasi,
Handichamusiyi Baba,
Kana nzira dzenyu.

5. Nzira dzenyu dzakanaka,
Dzine ruvheneko,
Dzine zano rokufamba
Zvakanaka kwazvo.

6. Muri mubatsiri wangu,
Mutendeki kwaye,
Avo vanomutevera
Vanokomborerwa.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.