AFM Shona Hymn 44

1.UYA mwoyo wangu,
Uya kuna’she wangu;
Uya nhasi wakaipa,
Usaende pano rufu,
Uya mwoyo wangu.

2. Chema mwoyo wangu,
Nezvakaipa zvangu;
Zvakaipa zvinonyadza,
Asi ini ndichinazvo,
Chema mwoyo wangu.

3.Teura mwoyo wangu,
Uya kuMununuri;
Daidza iwe kuna;she,
Unonzwa iye kudenga;
Teura mwoyo wangu.

4.Imba mwoyo wangu,
Tenda kuna’She wangu;
Wakambouya panyika,
Kuti ndiende kedenga;
Imba mwoyo wangu.

5. Fara mwoyo wangu,
KuMununuri wangu,
Wakauya kundifira,
Zvino wakandiponesa,
Fara mwoyo wangu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.