1.ISABATA nhasi Ishe,
Iro zuva rako;
Vanofara vanhu vako,
Nero zuva rako.
2. Wakamuka nhasi Ishe,
Pane guva rako;
Wakakunda nhasi kufa
Nokumuka kwako.
3.Wakamuka Iwe M;soro,
Wavo vanotenda;
Tichamuka nesu tose,
Isu tinotenda.
4. Ngarinzwike dama rako
Navazhinji nhasi;
Ngavamutswe pano rufu,
Vave newe nhasi.
<>5. Tinotenda Iwe Jesu,
Pano pamba yako,
Tine zvinhu zvose isu,
Nokumuka kwako.