1.INZWA mweya wangu, Muponesi
Wako,
Ari kuti zvino “Unondida here?”
Zviro zvese pasi zvinotsakatika,
Asi rudo rwangu haruzopinduki.
2. “Kuti ukarasa rudo rwakadaro,
Unoraswa ndini, unochema kwazvo;
Une nguva zvino, ita munhu kwaye,
Kuti uchiramba une pfumvu huru”.
3. “Hauzivi here kuti zvakanyorwa,
Kuti vanotenda vachatonga pasi;
Kuti wazopedza basa rako pano,
Uchatonga neni pachigaro changu.”