1.GARA neni izuva radoka;
Rima rinosvika; gara neni!
Vamwe vayamuri vakatadza,
Ishe muyamuri, gara neni.
2. Ndinokutsvaka nenguva dzose;
Ngoni dzako dzakunda muidzi.
Unoziva kunditungamirira;
Parima, pachena, gara neni.
3. Handityi kana uri pedyo;
Nhamu hairemi, handichemi:
Handine nhamu naiko kufa.
Ndokunda kana ugere neni.
4. Ndiratidze, Iwe uri woga;
Ndivhenekere kuti ndione.
Kuedza kunogouya zvino;
Mu’penyu murufu, gara neni.