1. BABA , tinounza zvipo
Zvekufadza basa renyu,
Tinounza ngakufara,
Takakomborerwa ndimwi;
Tipei mwoyo yechisepe
Kune vese varasiki,
Kuti mune vane nzara
Munavapa zvipo zvedu.
2. Asi tinotenda imwi,
Tinomuimbira nasi,
Hatimbokanganwi vamwe
Vanogara mune dima;
Torai zvipo zvedu, Baba,
Tinomupa ngekufara,
Tumai vafundisi nazvo,
Ngavadzidze nzira dzenyu.
3. Zvipo zvedu zvenyamusi,
Ngazviende kuvarombo,
Ngazvitore rudo rwedu
Kune avo vari kure;
Havazivi Jesu Kristu,
Havazivi ruponeso,
Baba, tumai izvi zvipo
Kune avo vanoshaya.