AFM Shona Hymn 159

1. BABA , tinounza zvipo
Zvekufadza basa renyu,
Tinounza ngakufara,
Takakomborerwa ndimwi;
Tipei mwoyo yechisepe
Kune vese varasiki,
Kuti mune vane nzara
Munavapa zvipo zvedu.

2. Asi tinotenda imwi,
Tinomuimbira nasi,
Hatimbokanganwi vamwe
Vanogara mune dima;
Torai zvipo zvedu, Baba,
Tinomupa ngekufara,
Tumai vafundisi nazvo,
Ngavadzidze nzira dzenyu.

3. Zvipo zvedu zvenyamusi,
Ngazviende kuvarombo,
Ngazvitore rudo rwedu
Kune avo vari kure;
Havazivi Jesu Kristu,
Havazivi ruponeso,
Baba, tumai izvi zvipo
Kune avo vanoshaya.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.