Kudza Jehovha, Mwari ane simba Lyrics – Methodist Shona Hymn 4

Kudza Jehovha, Mwari ane simba,
Anofarisa mwoyo yavanhu;
Anosimbisa vakati rukutu,
Anovaponisa vakatadza.

Kudza Jehovha, Ishe ane ngoni,
wakatiitira tsitsi dzake,
wakaregerera kuipa kwedu,
wakatitumidza vana vake.

Kudza Jehovha wakatifadzisa,
zvose zvipo zvake zvakanaka;
Tinozorora pamaoko ake,
Tino rufaro norunyararo.

Kudza Jehovha, Mwari Ishe wedu
wakatipa Kristu mwana wake
Kudza Jesu, wakatifira isu,
NaMweya Mutsvene, ngaakudzwe.

Hymn Details

One thought on “Kudza Jehovha, Mwari ane simba Lyrics – Methodist Shona Hymn 4

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *