Methodist Shona Hymn 4

Kudza Jehovha, Mwari ane simba,
Anofarisa mwoyo yavanhu;
Anosimbisa vakati rukutu,
Anovaponisa vakatadza.

Kudza Jehovha, Ishe ane ngoni,
wakatiitira tsitsi dzake,
wakaregerera kuipa kwedu,
wakatitumidza vana vake.

Kudza Jehovha wakatifadzisa,
zvose zvipo zvake zvakanaka;
Tinozorora pamaoko ake,
Tino rufaro norunyararo.

Kudza Jehovha, Mwari Ishe wedu
wakatipa Kristu mwana wake
Kudza Jesu, wakatifira isu,
NaMweya Mutsvene, ngaakudzwe.

Hymn Details

One thought on “Hymn 4

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.