1. TOENDA kune musha wedu,
Hatichazotadzi,
Kuchema kwedu kuchapera,
Tozosvika denga.
Korus:
Toenda’yo toenda kune denga,
Toenda’yo toenda kuna Baba,
2. Ngirosi dzinomira iyo,
Dzinoona vese.
Nemwoyo yedu inodisa
Nzvimbo iyo tsvene.
3. Mashai takasiya ese
Na’dzo nzira dzawo,
Kutevera Muponesi
Kune musha wake.
4. Uyanyi, vashamwari imwi
Kune musha wedu,
Tosvika zvirokwazvo iyo
Nyika yekudenga.