1. INGIROSI dzinoimba,
Dzinokuwa nokufara,
Denga rese rinofadzwa,
Mazambara azarurwa;
Jesu Mambo wakauya,
Tenzi wevatendi vese;
Haleluya kuna Jesu!
Haleluya kuna Mambo!
2. Jesu watokwidzwa denga,
Ane mbiri yakakomba,
Matomupa simba rese;
Wonai ari pachigaro,
Jesu anotonga ega;
Haleluya kuna Jesu!
Haleluya kuna Mambo!
3. Jesu watokwidzwa denga,
Kuna Baba wake iyo,
Basa rake pasi pano
Rakapera zvakanaka;
Zvino ari kutunhidzwa
Ngevatsvene vekudenga;
Haleluya kuna Jesu!
Haleluya kuna Mambo!
4. Jesu watokwidzwa denga,
Zvino watogadzwa Mambo,
Anotonga nechisepe,
Mambo wedu wakanaka;
Ngatikudze zita rake;
Haleluya kuna Jesu!
Haleluya kuna Mambo!