1. NDOUYA kuna Jesu,
Anondifarisa,
Ane tsitsi neni,
Panhamu yangu.
Korus
Ndouya kuna Jesu,
Ndinogofara,
Anoshevedzera
Vaduku seni.
2. Ndouya kuna Jesu,
Anonzwa kwandiri,
Anondida kwazvo,
Wandiyamura.
3. Ndouya kuna Jesu,
Anondibatsira,
Anditungamire
Kunyika yake.
4. Ikoko kudenga
Ndichava mutsvene,
Ndichaona Jesu,
M’ponisi wangu.