1.UYA mwoyo wangu,
Uya kuna’she wangu;
Uya nhasi wakaipa,
Usaende pano rufu,
Uya mwoyo wangu.
2. Chema mwoyo wangu,
Nezvakaipa zvangu;
Zvakaipa zvinonyadza,
Asi ini ndichinazvo,
Chema mwoyo wangu.
3.Teura mwoyo wangu,
Uya kuMununuri;
Daidza iwe kuna;she,
Unonzwa iye kudenga;
Teura mwoyo wangu.
4.Imba mwoyo wangu,
Tenda kuna’She wangu;
Wakambouya panyika,
Kuti ndiende kedenga;
Imba mwoyo wangu.
5. Fara mwoyo wangu,
KuMununuri wangu,
Wakauya kundifira,
Zvino wakandiponesa,
Fara mwoyo wangu.