1.BABA une simba rose,
Ndiyamure iwe;
Kana wandisiya Iwe
Ini ndoendepiko?
korus
Ndinotenda, ndinotenda, Jesu wandifira,
Ndichaponeswa neropa rake rakakomba.
2.Wakamutuma Munyai,
Kureva kwatiri;
Wakatipa Muponisi
Kutifira isu.
3.O Jesu wakashongedzwa,
Une ngoni huru;
Nokuti wakaroverwa
Pam’chinjikwa uyu
4. Ndinodzokera kwauri,
Une tsitsi iwe;
Zvino ndigam’chire ini
Usipo ndingafe